SHUMBA SIPAMBI

Download Report

Transcript SHUMBA SIPAMBI

SHUMBA SIPAMBI
Mazviita Shumba
Maita Sipambi,
Yakapamba nedzavamwe,
Vadyi vefazhakamwe
Inodyarwa ikamera.
Maita Matikaha nokuona tsimba,
Kuona munhu vana vanotya,
Mukakatirakwasviba,
Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava,
Mutakuranhawo kuno munhuhwi,
Sipambi, mwana wechikara,
Chokanyaira chobva Magare,
Choinda Imbwarume chisina uta.
Zvaitwa vari Dinhire Chigarachibwe,
Vari Magare VaMupfurawatya,
Mazviita Mugonderwa, vokwaMusakadongo, veShanje,
Vari Madzimudzangara, vari Sikanadema,
Zvaitwa VaTakaindisa naMuzuva,
Vari Chaenda vari Ruvhure.
Waita Charumbira Zvigonyati zvangu zvizvi,
Haiwa zvaitwa vaNhinhi, vari Nhinhihuru,
Maita Saminzwa, zvaonekwa vari Nyanda.